Ezra 10

Vanhu Vanoreurura Chivi Chavo

1Ezira paakanga achinyengetera achireurura, achichema uye achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo. 2Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro. 3Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro. 4Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”

5Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko. 6Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.

7Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema. 8Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.

9Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBhenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya. 10Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri. 11Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.”

12Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura. 13Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi. 14Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.” 15Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi.

16Nokudaro vakanga vambotapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kuferefeta nyaya idzi, 17uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.

Mhosva yoKuwana Vakadzi Vatorwa

18Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa:
Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake:
Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.
19(Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondobwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.)
20Kubva kuzvizvarwa zvaImeri:
Hanani naZebhadhia.
21Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu:
Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.
22Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri:
Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.

23Pakati pavaRevhi:
Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.
24Kubva kuvaimbi:
Eriashibhi.
Kubva kuvarindi vemikova:
Sharumi, Teremi naUri.

25Uye pakati pavamwe vaIsraeri:
Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi:
Ramia, Izia, Marikiya, Mijamini, Ereazari, Marikiya naBhenaya.
26Kubva kuzvizvarwa zvaEramu:
Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria.
27Kubva kuzvizvarwa zvaZatu:
Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza.
28Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai:
Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai.
29Kubva kuzvizvarwa zvaBhani:
Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti.
30Kubva kuzvizvarwa zvaPahati Moabhu:
Adhima, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Matania, Bhezareri, Bhinui naManase.
31Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu:
Eriezeri, Ishiya, Marikiya, Shemaya, Shimeoni,
32Bhenjamini, Maruki naShemaria,
33Kubva kuzvizvarwa zvaHashumi:
Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase naShimei.
34Kubva kuzvizvarwa zvaBhani:
Maadhai, Amurami, Ueri,
35Bhenaya, Bhedheya, Keruhi, 36Vhania, Meremoti, Eriashibhi, 37Matania, Matenai naJaasu.
38Kubva kuzvizvarwa zvaBhinui:
Shimei,
39Sheremia, Natani, Adhaya, 40Makinadhebhai, Shashai, Sharai, 41Azareri, Sheremia, Shemaria, 42Sharumi, Amaria naJosefa.
43Kubva kuzvizvarwa zvaNebho:
Jeyeri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joere naBhenaya.

44Vose ava vakanga vawana vakadzi vatorwa, uye vamwe vavo vakanga vava navana navakadzi ava.
Copyright information for SnaBDSC